Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKubereka Chibereko

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKubereka Chibereko dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 15:8

Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.

02 Johani 15:5

“Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

03 Johani 15:16

Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.

04 VaGaratia 5:22-23

Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.

05 Mateo 7:17

Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.

06 Johani 15:2

Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda.

07 VaKorose 1:10

Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari,

08 VaFiripi 1:11

muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari.

09 VaRoma 7:4

Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari.

10 Mapisarema 1:3

Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

Misoro ine chekuita