Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRufu Rwakundwa
Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neRufu Rwakundwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri.
Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.
Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.
Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”
iye achamedza rufu nokusingaperi. Wamasimba Ose achapisika misodzi kubva pazviso zvose; achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake panyika yose. Jehovha ataura.
Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?”
Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;
Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake.
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.
Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera
Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri.
Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.”
“Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva; ndichavadzikinura kubva parufu. Dziripiko hosha dzako, nhai rufu? Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva? “Handingazovi netsitsi,