Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTakamuka naKristu

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neTakamuka naKristu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaKorose 3:1

Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.

02 VaKorose 3:2

Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

03 VaRoma 6:8

Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye.

04 VaEfeso 2:6

Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu,

05 VaGaratia 2:20

Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

06 VaKorose 2:12

makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa.

07 VaRoma 6:4

Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.

Misoro ine chekuita