Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKupupura

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKupupura dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 32:5

Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri uye handina kuvanza chakaipa changu. Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,” uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera

02 1 Johani 1:9

Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.

03 Zvirevo 28:13

Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.

04 Jakobho 5:16

Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.

05 Mapisarema 38:18

Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza.

06 VaRoma 10:9-10

Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.

07 1 Johani 1:8

Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri.

08 Hosea 14:2

Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.

09 Dhanieri 9:5

takatadza tikaita zvakaipa. Takaita zvinhu zvakaipa uye takakumukirai; takatsauka tikava kure nemitemo nemirayiro yenyu.

Misoro ine chekuita