Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neZvivi Zvisingacharangarirwi

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neZvivi Zvisingacharangarirwi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaHebheru 8:12

Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.”

02 Isaya 43:25

“Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako.

03 Jeremia 31:34

Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”

04 VaHebheru 10:17

Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handizozvirangarirezve.”

05 Mika 7:19

Muchava nenyasha kwatiri zvakare; muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa.

06 Mapisarema 103:12

sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.

07 VaHebheru 10:18

Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.

08 Isaya 38:17

Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru kwakandivigira rugare. Murudo rwenyu makandirwira pagomba rokuparadzwa; makaisa zvivi zvangu zvose shure kwenyu,

09 Mika 7:18

Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.

10 VaRoma 4:8

Akaropafadzwa munhu ane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.”

Misoro ine chekuita