Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunatswa

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunatswa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Isaya 1:18

“Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.

02 1 Johani 1:7

Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

03 Mapisarema 51:7

Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.

04 Ezekieri 36:25

Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu.

05 VaHebheru 9:14

Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu!

06 Tito 2:14

akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.

07 1 VaKorinde 6:11

Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukaruramisirwa muzita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari.

08 Mapisarema 51:2

Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.

Misoro ine chekuita