Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKushushwa Norudo
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKushushwa Norudo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa.
Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa.
Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri!
Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu,
Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.”
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa.
Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni.
Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka.
Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera.
Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.
Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe.
“Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi.