Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita nePfungwa Dzakasimba
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita nePfungwa Dzakasimba dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi.
Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.
Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.
munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro.
Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.
Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.
Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.
ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.