Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita nePfungwa Dzakanaka

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita nePfungwa Dzakanaka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 2 Timoti 1:7

Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.

02 Isaya 26:3

Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi.

03 VaFiripi 4:7

Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

04 VaRoma 12:2

Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

05 2 VaKorinde 10:5

Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.

06 VaFiripi 4:8

Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

07 1 VaKorinde 14:33

Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare. Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,

08 VaKorose 3:2

Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

09 1 Petro 1:13

Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.

Misoro ine chekuita