Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuisa Pfungwa Kumusoro

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuisa Pfungwa Kumusoro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaKorose 3:2

Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

02 VaKorose 3:1

Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.

03 Mateo 6:33

Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

04 VaFiripi 3:20

Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,

05 VaRoma 8:5-6

Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

06 2 VaKorinde 4:18

Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.

07 VaHebheru 12:2

Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.

08 Mateo 6:21

Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.

09 VaHebheru 11:16

Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.

Misoro ine chekuita