Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNherera
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neNherera dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.
Anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.
Asiria haingatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”
Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera.
Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.
“Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera.
Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo. Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”
dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
Usarega kururamisira mutorwa kana nherera, uye usatora nguo yechirikadzi sorubatso.
Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira.
Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’