Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neChirikadzi

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neChirikadzi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mapisarema 68:5

Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.

02 Jakobho 1:27

Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.

03 Dhuteronomi 10:18

Anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.

04 Isaya 1:17

dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.

05 Ekisodho 22:22

“Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera.

06 Mapisarema 146:9

Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.

07 Dhuteronomi 24:19

Kana uchikohwa munda wako ukakanganwa chisote, usachidzokera kundochitora. Chisiyire mutorwa, nherera kana chirikadzi, kuitira kuti Jehovha Mwari wako agokuropafadza mumabasa ose amaoko ako.

08 1 Timoti 5:3

Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo.

09 Jeremia 49:11

Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo. Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”

10 Zekaria 7:10

Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’

11 Zvirevo 15:25

Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.

12 Ruka 7:13

Ishe akati achivaona, mwoyo wake wakavanzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.”

13 Dhuteronomi 14:29

kuitira kuti vaRevhi (avo vasina mugove kana nhaka yavowo) uye nomweni, nherera nechirikadzi vanogara mumaguta enyu, vauye vagodya vachiguta, uye kuitira kuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzei pamabasa ose amaoko enyu.

14 Mako 12:42-43

Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku. Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose.

Misoro ine chekuita