Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neDombo Repakona Rikuru

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neDombo Repakona Rikuru dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

Wedzera ndima dzese 13 Gadzira account yemahara kuti uzidzidze nemusoro.
01 VaEfeso 2:20 Ndima huru

makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.

02 1 Petro 2:6

Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”

03 Mapisarema 118:22

Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;

04 Isaya 28:16

Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai ndinoisa ibwe muZioni, ibwe rakaedzwa, ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba; anovimba naro haangavhunduki.

05 Mateo 21:42

Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona. Ishe aita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’?

06 Mabasa 4:11

Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’

07 VaEfeso 2:21-22

Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

08 Mako 12:10-11

Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: “ ‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rava musoro wekona; Ishe akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’?”

09 1 Petro 2:7

Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,”

10 Ruka 20:17

Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?

11 1 VaKorinde 3:11

Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.

12 VaRoma 9:33

Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”

13 1 Petro 2:4

Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari,

Misoro ine chekuita