Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neZita raJesu

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neZita raJesu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mabasa 4:12

Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”

02 VaFiripi 2:10-11

kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba vakudzwe.

03 Mateo 1:21

Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”

04 Johani 14:13-14

Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.

05 Mabasa 3:16

Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose.

06 VaFiripi 2:9

Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,

07 VaKorose 3:17

Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.

08 Zvirevo 18:10

Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

09 Johani 20:31

Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.

10 Mabasa 4:10

zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai.

11 1 VaKorinde 6:11

Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukaruramisirwa muzita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari.

12 Mateo 18:20

Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.”

13 VaRoma 10:13

nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”

14 Johani 16:23-24

Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.

15 Mabasa 2:21

Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’

Misoro ine chekuita