Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNdinzvere, Imi Mwari
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neNdinzvere, Imi Mwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu; ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
Muone kana musina nzira yakaipa mandiri, mugondifambisa munzira isingaperi.
Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.
Kunyange mukaedza mwoyo wangu uye mukandiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.
“Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.”
“Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.
Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.