Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutonga naKristu

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutonga naKristu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 2 Timoti 2:12

kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;

02 Zvakazarurwa 22:5

Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.

03 Zvakazarurwa 5:10

Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.”

04 VaRoma 8:17

Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.

05 Zvakazarurwa 3:21

Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.

06 Zvakazarurwa 20:6

Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.

07 Dhanieri 7:18

Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’

Misoro ine chekuita