Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neZuva rokutongwa

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neZuva rokutongwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 2 VaKorinde 5:10

Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.

02 VaRoma 14:12

Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

03 VaHebheru 9:27

Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,

04 Zvakazarurwa 20:12

Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.

05 Mateo 12:36

Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.

06 Mabasa 17:31

Nokuti akatara zuva raachatonga nyika nokururamisira nomurume waakagadza. Akaratidza izvi kuvanhu vose nokumumutsa kubva kuvakafa.”

07 Mateo 25:31-32

“Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, navatumwa vose, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga. Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi.

Misoro ine chekuita