Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKudzoka kwaKristu
Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKudzoka kwaKristu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.”
Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi.
“Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
“Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.
takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,
“Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.
Tarirai, ari kuuya namakore, uye meso ose achamuona, kunyange naivo vakamubaya; uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.
Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.