Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTsitsi kuVamwe

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neTsitsi kuVamwe dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 5:7

Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.

02 Ruka 6:36

Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.

03 Jakobho 2:13

nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!

04 Mika 6:8

Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

05 VaKorose 3:12-13

Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.

06 VaEfeso 4:32

Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.

07 Zekaria 7:9

“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha.

08 Zvirevo 11:17

Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.

09 VaRoma 12:8

kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.

10 Mateo 18:33

Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’

11 Hosea 6:6

Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro, nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.

12 Judha 1:22

Itirai ngoni avo vanokahadzika;

Misoro ine chekuita