Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neSunungura Ngetani

Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neSunungura Ngetani dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Isaya 58:6

“Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe?

02 Isaya 61:1

Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

03 Ruka 4:18

“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,

04 Mapisarema 146:7

Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.

05 Isaya 42:7

kuti usvinudze meso asingaoni, usunungure vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.

06 Isaya 58:9

Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura; uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano. “Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri, kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa,

Misoro ine chekuita