Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTakakwana muna Kristu
Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neTakakwana muna Kristu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.
Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri,
Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.
uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu.
ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu.
Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari, mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.
Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.