Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTariro Mhenyu
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neTariro Mhenyu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.
Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.
akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga,
Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.
Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,
Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi.