Jeremia 47

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:

2Zvanzi naJehovha: “Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; ivo vachava rwizi runofashukira nesimba. Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, maguta navose vanogaramo. Vanhu vachachema; vose vanogara munyika vachaungudza

3pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza, kutinhira kwengoro dzavavengi, nokurira kwemavhiri adzo. Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo; maoko avo acharembera seakaremara.

4Nokuti zuva rasvika rokuparadza vaFiristia vose, uye nokuuraya vose vakasara vaigona kubatsira Tire neSidhoni. Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia, vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.

5Gaza richaveura musoro waro mukuchema; Ashikeroni richati mwiro. Haiwa, imi vakasara vari pabani, muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?

6“Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha, uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora? Dzokera mumuhara wako; mira, unyarare.’

7Asi ungazorora sei, Jehovha akaurayira, sezvo akaurayira kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”

Jeremia

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0