Jeremia 31

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1“Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”

2Zvanzi naJehovha: “Vanhu vakapunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”

3Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.

4Ndichakuvakazve, ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri. Uchatorazve matambureni ako ugoenda kundotamba navanofara.

5Zvakare, muchasima minda yemizambiringa pamusoro pezvikomo zveSamaria; varimi vachaisima, vagofadzwa nezvibereko zvayo.

6Pachava nezuva richadanidzira nharirire dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti, ‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni, kuna Jehovha Mwari wedu.’ ”

7Zvanzi naJehovha: “Imbirai Jakobho nomufaro; pururudzirai mukuru wendudzi. Paridzai, rumbidzai, muchiti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsraeri.’

8Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno.

9Vachauya vachichema; vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa. Ndichavafambisa nepahova dzemvura, napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi, nokuti ndiri baba vaIsraeri, uye Efuremu ndiye dangwe rangu.

10“Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose; muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti: ‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza, uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’

11Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho, uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo.

12Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni; vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha, nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta, makwayana nemombe. Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa, uye havachazosuwazve.

13Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.

14Ndichagutsa vaprista nezvakawanda, uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

15Zvanzi naJehovha: “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”

16Zvanzi naJehovha: “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.

17Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”

18“Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti: ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.

19Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndakazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’

20Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange ndichimupikisa kazhinji, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

21“Zvimisirei shongwe dzenzira; misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamunofamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.

22Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mwanasikana wokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”

23Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’

24Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.

25Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.”

26Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.

27“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.

28Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

29“Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, “ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’

30Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.

31“Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.

32Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

33“Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.

34Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”

35Zvanzi naJehovha, iye anogadza zuva kuti rivhenekere masikati, anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi kuti zvivhenekere usiku, iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:

36“Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigume kuva rudzi pamberi pangu.”

37Zvanzi naJehovha: “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

38“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona.

39Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa.

40Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”

Jeremia

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0