Jeremia 14

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Iri ndiro shoko raJehovha kuna Jeremia pamusoro pokusanaya kwemvura:

2“Judha anochema, maguta ake apera simba; vanoungudza nokuda kwenyika, uye kuchema kwokwira kuchibva kuJerusarema.

3Vanokudzwa vanotuma varanda vavo kundochera mvura; vanoenda kumatsime, asi vanoshayiwa mvura. Vanodzoka nezvirongo zvavo zvisina mvura; vaora mwoyo uye vasisina tariro, vanofukidza misoro yavo.

4Nyika yaparuka nokuti munyika hamuchina mvura; varimi vaora mwoyo uye vanofukidza misoro yavo.

5Kunyange nehadzi yenondo iri musango inosiya mhuru yayo ichangoberekwa nokuti hakuchina bundo.

6Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, uye dzinofemedzeka semakava; meso adzo haachaona zvakanaka nokuda kwokushaya mafuro.”

7Kunyange zvivi zvedu zvichipupura zvakaipa, imi Jehovha, onai zvamungaita nokuda kwezita renyu. Nokuti kudzokera kwedu shure kukuru; takakutadzirai.

8Imi Tariro yaIsraeri, Muponesi wavo panguva yokutambudzika, maitireiko somutorwa munyika, somufambi anongovata usiku humwe chete?

9Maitireiko somunhu ashamisika somurwi ashaya simba rokuponesa? Muri pakati pedu, imi Jehovha, uye takatumidzwa zita renyu; regai kutisiya!

10Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava, “Vanofarira kungofamba-famba; havadzori tsoka dzavo. Saka Jehovha haavagamuchiri; zvino acharangarira zvakaipa zvavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.”

11Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Rega kunyengeterera kugara zvakanaka kwavanhu ava.

12Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchema kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.”

13Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’ ”

14Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofitirai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo.

15Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara.

16Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira.

17“Taura shoko iri kwavari, uti, “ ‘Meso angu ngaayerere misodzi usiku namasikati asingaregi; nokuti mhandara mwanasikana wangu, vanhu vangu, vakuvadzwa vanga rakaipa, iko kurohwa kukuru.

18Kana ndikaenda mukati menyika, ndinoona vaya vakaurayiwa nomunondo; kana ndikaenda muguta, ndinoona vakaparadzwa nenzara. Vose, muprofita nomuprista vakaenda kunyika yavasingazivi.’ ”

19Ko, maramba Judha zvachose here? Munozvidza Zioni here? Sei makatirwadzisa zvokuti tirege kuporeswa? Takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira nguva yokuporeswa asi panongova nokuvhundutswa bedzi.

20Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu, uye nemhosva yamadzibaba edu; zvirokwazvo takakutadzirai.

21Nokuda kwezita renyu, musatizvidza; regai kushora chigaro chenyu chinobwinya. Rangarirai henyu sungano yenyu nesu mugorega kuiputsa.

22Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here? Ko, matenga, anonayisa mvura oga here? Kwete, ndimi, iyemi Jehovha Mwari wedu. Naizvozvo tariro yedu iri mamuri, nokuti ndimi moga munoita izvi zvose.

Jeremia

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0