Jeremia 45

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Jeremia kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shure kwokunyora kwaBharuki rugwaro rwamashoko aJeremia aakanga achimudaidzira, achiti,

“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kunewe Bharuki:

Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’ ”

Jehovha akati, “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichakoromora zvandakavaka uye ndichadzura zvandakasima panyika yose.

Iwe ungazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka. Nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavanhu vose, ndizvo zvinotaura Jehovha, asi ndichaita kuti utize noupenyu hwako kwose kwaunoenda.’ ”

Jeremia

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0