Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKumuka Noupenyu

Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neKumuka Noupenyu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 11:25

Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;

02 Johani 11:26

uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”

03 Johani 5:24

“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.

04 Johani 6:40

Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”

05 1 VaKorinde 15:22

Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.

Misoro ine chekuita