Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKupenya kweKubwinya kwaMwari
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKupenya kweKubwinya kwaMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu.
Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose.
Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari.
Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.
Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa.
Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.
asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.
Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya?
Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
Zuva harichazovi chiedza chako masikati, uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako, nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi, uye Mwari wako achava kubwinya kwako.