Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTaurira Vasingakwanisi Kutaura
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neTaurira Vasingakwanisi Kutaura dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
“Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa. Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.
Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.
Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.
Nokuti kana iwe ukanyarara panguva ino, kusunungurwa nokurwirwa kwavaJudha zvichabva kune imwe nzvimbo, asi iwe nemhuri yababa vako muchaparara. Zvino ndiani angaziva zvakaita kuti uve muimba youmambo nenguva yakaita seino?”
Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.