Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neDzokerai kuna Ishe

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neDzokerai kuna Ishe dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Hosea 6:1

“Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu.

02 Joere 2:13

Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.

03 Maraki 3:7

Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’

04 Zekaria 1:3

Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

05 Isaya 55:7

Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.

06 Kuungudza kwaJeremia 3:40

Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.

07 Jeremia 3:22

“Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.” “Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.

Misoro ine chekuita