Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNzvimbo Yakagadzirirwa

Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neNzvimbo Yakagadzirirwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 14:3

Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.

02 Johani 14:2

Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.

03 VaHebheru 11:16

Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.

04 VaHebheru 13:14

Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya.

05 Zvakazarurwa 21:3

Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo.

06 Johani 14:1

“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.

07 2 VaKorinde 5:1

Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga.

08 VaFiripi 3:20

Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,

09 Zvakazarurwa 21:2

Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka.

10 Ruka 23:43

Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”

11 VaHebheru 11:10

Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.

12 1 Petro 1:4

akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga,

13 VaKorose 3:1-2

Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

Misoro ine chekuita