Joere 1
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
2Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?
3Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera.
4Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.
5Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.
6Rudzi rwarwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.
7Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.
8Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo.
9Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.
10Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina.
11Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa.
12Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wasvava.
13Pfekai masaga mucheme, imi vaprista; ungudzai, imi munoshanda paaritari. Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi munoshumira pamberi paMwari wangu; nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.
14Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene; danai vanhu kuungano tsvene. Kokai vakuru navose vanogara munyika kuimba yaJehovha Mwari wedu, mugodana kuna Jehovha.
15Rinotyisa sei zuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.
16Ko, zvokudya hazvina kubviswa here pamberi pedu chaipo, mufaro nokufarisisa kubva mumba maMwari wedu?
17Mbeu dzinopetana dzisati dzamera pasi pevhu, matura aparara, tsapi dzaputswa nokuti hapachina zviyo.
18Mombe dzinogomera sei! Matanga emombe odzungaira nokuda kwokushayiwa mafuro. Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika.
19Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapisa mafuro, uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango.
20Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri; nokuti hova dzesango dzapwa uye moto waparadza mafuro ose.
Joere
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0