Joere 2
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo,
2zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
3Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.
4Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.
5Nokutinhira sokwengoro dzinokwakuka pamusoro pamakomo dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.
6Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.
7Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.
8Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
9Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.
10Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima.
11Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro?
12Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”
13Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
14Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.
15Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene.
16Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, vachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake nomwenga muimba yake.
17Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ”
18Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi.
19Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.
20“Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira; kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
21Usatya iwe nyika; fara zvako upembere. Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
22Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.
23Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
24Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta.
25“Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata, dzimwe mhashu nefararira remhashu; hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu.
26Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
27Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
28“Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo.
29Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
30Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
31Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
32Uye ani naani anodana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso, sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.
Joere
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0