Habhakuki 1

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.

2Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?

3Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.

4Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa.

5“Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.

6Ndiri kumutsa vaBhabhironi ruya rudzi rune utsinye, rune hasha, runopararira pasi pose kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.

7Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa; vasina murayiro unovatonga uye vanongozvitsvakira kukudzwa.

8Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe, anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana. Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki; vatasvi vamabhiza vanobva kure kure. Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;

9vanouya vose kuzoita zvechisimba. Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga vachiunganidza nhapwa sejecha.

10Vanozvidza madzimambo uye vanomhura vatongi. Vanoseka maguta ose akasimbiswa; vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.

11Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri, varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”

12Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange.

13Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama?

14Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa, sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.

15Muvengi anovaredza vose nezviredzo, anovabata mumumbure wake, achivakokorodza murutava rwake; naizvozvo anopembera nomufaro.

16Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake, uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake, nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake, anodya zvokudya zvakaisvonaka.

17Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake, achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?

Habhakuki

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0