Habhakuki 2

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.

2Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya.

3Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

4“Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.

5Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu.

6“Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa anozvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’

7Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa.

8Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.

9“Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa, achivaka dendere rake pakakwirira, kuti anzvenge kuparadzwa!

10Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, uye muchiparadza upenyu hwenyu.

11Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.

12“Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa.

13Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo?

14Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.

15“Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo.

16Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.

17Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai, uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!

18“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.

19Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku.

20Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”

Habhakuki

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0