Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNzira, Chokwadi, Noupenyu
Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neNzira, Chokwadi, Noupenyu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.
Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”
Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;
nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,
Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.
Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu, nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,
Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.
Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete.
Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.