Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMusoro weKereke

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neMusoro weKereke dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaKorose 1:18

Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.

02 VaEfeso 1:22-23

Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke, iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose.

03 VaEfeso 4:15

Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.

04 VaKorose 2:19

Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari.

05 VaEfeso 5:23

Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.

06 VaEfeso 1:22

Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke,

07 VaKorose 1:17-18

Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.

08 1 VaKorinde 11:3

Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari.

09 VaEfeso 4:15-16

Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.

10 VaRoma 12:5

saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.

11 1 VaKorinde 12:27

Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.

12 VaKorose 2:10

nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.

Misoro ine chekuita