Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMurayiro Mukuru

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neMurayiro Mukuru dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 22:37-39

Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’

02 Dhuteronomi 6:5

Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose.

03 Mako 12:30

Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’

04 Revhitiko 19:18

“ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako, asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.

05 VaRoma 13:9

Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.”

06 Mateo 22:40

Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”

07 Ruka 10:27

Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ”

08 VaGaratia 5:14

Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”

09 1 Johani 4:21

Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake.

10 Johani 14:15

“Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.

11 Joshua 22:5

Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.”

Misoro ine chekuita