Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRudo muZviito

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neRudo muZviito dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 Johani 3:18

Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.

02 Jakobho 2:15-16

Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo?

03 1 Johani 3:17

Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?

04 VaGaratia 5:13

Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

05 Mateo 25:40

“Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’

06 Jakobho 2:17

Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.

07 1 Johani 4:11

Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.

08 VaGaratia 6:10

Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.

09 VaHebheru 13:16

Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.

10 VaRoma 12:9

Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.

11 Ruka 10:33-34

Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.

12 1 VaKorinde 13:3

Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.

Misoro ine chekuita