Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKunatswa Nomoto

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKunatswa Nomoto dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 Petro 1:7

Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.

02 Zekaria 13:9

Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”

03 Maraki 3:3

Iye achagara somunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vaRevhi uye achavanatsa segoridhe nesirivha. Ipapo Jehovha achava navanhu vachamuvigira zvipiriso mukururama,

04 Jobho 23:10

Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.

05 Isaya 48:10

Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha; ndakakuedza muchoto chokutambudzika.

06 Zvirevo 17:3

Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.

07 Mapisarema 66:10

Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.

08 Isaya 1:25

Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose.

09 Dhanieri 12:10

Vazhinji vachacheneswa, vasina gwapa, uye vachanatswa, asi vakaipa vacharamba vakaipa. Hakuna achanzwisisa.

10 Jakobho 1:12

Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.

11 1 VaKorinde 3:13

basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.

12 Jobho 42:5

Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi.

13 VaRoma 5:3-5

Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro. Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.

14 2 VaKorinde 4:17

Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose.

Misoro ine chekuita