Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuverengwa Wakatendeka
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuverengwa Wakatendeka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka.
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake.
“Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda.
Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.
Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva.
Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.
Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
Asi hazvina kudaro kuna Mozisi muranda wangu; iye akatendeka muimba yangu yose.
Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.
Ipapo, vakuru namachinda vakaedza kutsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro pokufambisa kwake mabasa ehurumende, asi havana chavakagona kuwana. Havana kuwana uori maari, nokuti akanga akatendeka uye pasina uori kana kushaya hanya maari.