Mika 4

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Mumazuva okupedzisira gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa segomo guru pakati pamakomo; richasimudzwa pamusoro pezvikomo, uye marudzi achaenda kwariri.

2Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai, handei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho. Achatidzidzisa nzira dzake, kuti tigofamba munzira dzake.” Murayiro uchabuda kubva paZioni, shoko raJehovha kubva paJerusarema.

3Achatonga pakati pamarudzi mazhinji uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure. Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza, namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzirizve kurwa.

4Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, napasi pomuonde wake, uye hapana anozovaita kuti vatye, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura.

5Ndudzi dzose dzingafamba muzita ravamwari vadzo; isu tichafamba muzita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.

6“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Ndichaunganidza vakaremara; ndichaunganidza vakadzingwa neavo vandakatambudza.

7Ndicharemadza vakasara, vaya vakadzingwa, ivo rudzi rwakasimba. Jehovha achavatonga paGomo reZioni kubva pazuva iroro nokusingaperi.

8Kana uri iwe, chirindo cheboka iwe nhare yoMwanasikana weZioni, ushe hwakare huchadzoswa kwauri; umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.”

9Sei muchiridza mhere iye zvino, hamuna mambo here? Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza kwakubatai sekwomukadzi anosununguka?

10Tambura ugomere, iwe Mwanasikana weZioni, somukadzi ari pakusununguka, nokuti zvino unofanira kubuda muguta unogara kusango. Uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchandonunurwa. Ikoko Jehovha achakudzikinura kubva paruoko rwavavengi vako.

11Asi zvino ndudzi zhinji dzakaunganira kuzokurwisa. Vanoti, “Ngaasvibiswe, maziso edu ngaatarise Zioni!”

12Asi havazivi pfungwa dzaJehovha; havanzwisisi kuronga kwake, iye anovaunganidza sezvisote paburiro.

13“Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni, nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi; ndichakupa mahwanda endarira uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.” Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo, upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose.

Mika

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0