Mika 3

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ipapo ndakati, “Teererai imi vatungamiri vaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri. Hamufaniri kuziva kururamisira here,

2imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa; munofunura ganda pamapfupa;

3munodya nyama yavanhu vangu, munobvisa ganda ravo, muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu; munovatema-tema senyama yokuisa mupani, senyama yomuhari?”

4Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavadaviri. Panguva iyoyo achavanza chiso chake kwavari nokuda kwezvakaipa zvavakaita.

5Zvanzi naJehovha: “Kana vari vaprofita vanotsausa vanhu vangu, kana mumwe akavapa zvokudya, vanodanidzira kuti ‘Rugare’; kana akasavapa, vanogadzirira kumurwisa.

6Naizvozvo usiku huchauya pamusoro pako, pasina zviratidzo, nerima, pasina kuvuka. Zuva richavirira vaprofita, uye masikati achavasvibira.

7Vaoni vachanyadziswa uye vavuki vachanyadziswa. Vachafukidza zviso zvavo nokuti hakuna mhinduro inobva kuna Jehovha.”

8Asi kana ndirini, ndizere nesimba, noMweya waJehovha, uye nokururamisira nesimba, kuti ndizivise Jakobho kudarika kwake naIsraeri chivi chake.

9Inzwai izvi, imi vatungamiri veimba yaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri, munozvidza kururamisira uye munominamisa zvose zvakanaka;

10munovaka Zioni nokudeura ropa, uye Jerusarema nouipi.

11Vatungamiri varo vanotongera fufuro, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro. Asi vanozendama pana Jehovha voti, “Ko, Jehovha haasi pakati pedu here? Hapana njodzi ingatiwira.”

12Naizvozvo nokuda kwenyu, Zioni richarimwa somunda, Jerusarema richava murwi wamabwe, pachikomo pamire temberi, pachava dondo.

Mika

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0