1 Makoronike 1

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Adhamu, Seti, Enoshi,

2Kenani, Maharareri, Jaredhi,

3Inoki, Metusera, Rameki, Noa.

4Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti.

5Vanakomana vaJafeti vaiva: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi.

6Vanakomana vaGomeri vaiva: Ashikenazi, Rifati naTogarima.

7Vanakomana vaJavhani vaiva: Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi.

8Vanakomana vaHamu vaiva: Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.

9Vanakomana vaKushi vaiva: Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka. Vanakomana vaRaama vaiva: Shebha naDedhani.

10Kushi aiva baba vaNimurodhi; uyo akakura akava murwi mukuru panyika.

11Miziraimi aiva baba vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,

12vaPatiri, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori.

13Kenani aiva baba vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,

14vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi,

15vaHivhi, vaAriki, vaSini,

16vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati.

17Vanakomana vaShemu vaiva: Eramu, Ashua, Arifakisadhi, Rudhi naAramu. Vanakomana vaAramu vaiva: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

18Arifakisadhi aiva baba vaShera, uye Shera aiva baba vaEbheri.

19Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri: mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; mununʼuna wake ainzi Jokitani.

20Jokitani aiva baba vaArimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera,

21Hadhoramu, Uzari, Dhikira,

22Obhari, Abhimaeri, Shebha,

23Ofiri, Havhira naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

24Shemu, Arifakisadhi, Shera,

25Ebheri, Peregi, Reu,

26Serugi, Nahori, Tera

27naAbhurama (iye Abhurahama).

28Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri.

29Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,

30Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema,

31Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri.

32Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva: Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. Vanakomana vaJokishani vaiva: Shebha naDhedhani.

33Vanakomana vaMidhiani vaiva: Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura.

34Abhurahama aiva baba vaIsaka. Vanakomana vaIsaka vaiva: Esau naIsraeri.

35Vanakomana vaEsau vaiva: Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.

36Vana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami, naKenazi; naTimina, vakabereka Amareki.

37Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza.

38Vanakomana vaSeiri vaiva: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani.

39Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani.

40Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Aya naAna.

41Mwanakomana waAna ainzi Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.

42Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani.

43Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.

44Bhera paakafa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

45Jobhabhi paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.

46Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.

47Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

48Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo.

49Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.

50Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.

51Hadhadhi akafawo. Madzishe eEdhomu aiva: Timina, Arivha, Jeteti

52Ohoribhama, Era, Pinoni,

53Kenazi, Temani, Mibhiza,

54Magidhieri naIrami. Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.

1 Makoronike

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0