Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutambudzwa

Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutambudzwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 2 Timoti 3:12

Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,

02 Mateo 5:10-11

Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.

03 1 Petro 4:14

Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri.

04 VaRoma 8:35-37

Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.” Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.

05 Johani 15:20

Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu.

06 2 VaKorinde 4:8-9

Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.

07 1 Petro 3:14

Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”

08 Mabasa 5:41

Vapostori vakabva paDare Guru, vachifara nokuda kwokuti vakanga vanzi vakafanira kutambudzwa nokunyadziswa nokuda kweZita iri.

09 Mateo 5:44

Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,

10 2 Timoti 2:12

kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;

Misoro ine chekuita