Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neAnoporesa Vakaputsika Mwoyo
Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neAnoporesa Vakaputsika Mwoyo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene: “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.