Zefania 3
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Rine nhamo guta ravamanikidzi, rakapanduka uye rikasvibiswa!
2Harina warinoteerera, harigamuchiri kudzorwa. Harivimbi naJehovha, hariswederi pedyo naMwari waro.
3Machinda aro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, vasingasiyi chinhu chamangwanani.
4Vaprofita vavo vanozvikudza; vanhu vanonyengera. Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene uye vanoputsa murayiro.
5Jehovha ari mariri mutsvene; haaiti zvakaipa. Mangwanani oga oga anotonga nokururamisira kwake, zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa, asi vasakarurama havanyari.
6“Ndakaparadza ndudzi; shongwe dzavo dzakaparara. Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi, hapasisina anopfuura nomo. Maguta avo akaparadzwa; hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake.
7Ndakati kuguta, ‘Zvirokwazvo uchanditya ugogamuchira kudzorwa!’ Ipapo vagari varo havangaparadzwi, kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri. Asi vakanga vachine shungu dzokuita uori pakuita kwavo kwose.
8Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zuva randichasimuka kuti ndigopupura. Ndafunga kuunganidza ndudzi, kuunganidza ushe hwose uye nokudurura hasha dzangu pavari, kutsamwa kukuru kwangu kwose. Nyika yose ichaparadzwa nomoto wegodo rokutsamwa kwangu.
9“Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu, kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha uye vamushumire nomwoyo mumwe.
10Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu, vanhu vangu vakapararira, vachandiunzira zvipiriso.
11Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira, nokuti ndichabvisa kubva muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo. Hamungazovizve namanyawi pagomo rangu dzvene.
12Asi ndichasiya pakati penyu vanyoro vanozvininipisa, vanovimba nezita raJehovha.
13Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa; havangarevi nhema, uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo. Vachadya uye vagorara pasi, uye hapana angavatyisa.”
14Imba, iwe Mwanasikana weZioni, danidzira, iwe Israeri! Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose, iwe Mwanasikana weJerusarema!
15Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, adzinga muvengi wako. Jehovha, Mambo waIsraeri, anewe; hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho.
16Pazuva iro vachati kuJerusarema, “Usatya, iwe Zioni; usarega maoko ako achishayiwa simba.
17Jehovha Mwari wako anewe, ndiye ane simba rokuponesa. Achafadzwa zvikuru newe, achakunyaradza norudo rwake, achafara nokuda kwako nokuimba.”
18“Matambudziko emitambo yakatarwa ndichaabvisa kwauri; iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri.
19Panguva iyoyo ndichatonga vose vakakumanikidza; ndichanunura vakaremara uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa. Ndichavapa rumbidzo norukudzo munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa.
20Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zefania
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0