Kuungudza kwaJeremia 3
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
2Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
3zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
4Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
5Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
6Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare.
7Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.
8Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.
9Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
10Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
11akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri.
12Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.
13Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
14Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru.
16Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
18Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
19Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
20Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
21Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
22Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
23Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
24Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
25Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
26chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.
27Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
28Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.
29Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.
30Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.
31Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.
32Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.
33Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.
34Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
35kurambira munhu kodzero yake pamberi peWokumusoro-soro,
36kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
37Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
38Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?
39Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
40Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.
41Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
42“Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
43“Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira; makauraya musinganzwiri ngoni.
44Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
45Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
46“Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
47Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”
48Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
49Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,
50kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.
51Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu, nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
52Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero vakandivhima seshiri.
53Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;
54mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
55Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
56Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
57Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
58Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
59Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!
60Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
61Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,
62dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose.
63Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo.
64Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo.
65Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!
66Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha.
Kuungudza kwaJeremia
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0