Joshua 12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.
Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.
Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.
Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.
Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,
nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi):
mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete
mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete
mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete
mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete
mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete
mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete
mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete
mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete
mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete
mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete
mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete
mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete
mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete
mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete
mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete
mambo weTiriza mumwe chete, madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.
Joshua
Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0