Jona 2
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake.
2Akati: “Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha, iye akandipindura. Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye imi makanzwa kuchema kwangu.
3Makandikandira makadzika, mumwoyo chaimo megungwa, uye mvura zhinji ikandikomberedza; mafungu enyu ose namapopoma enyu ose zvakapfuura napamusoro pangu.
4Ndakati, ‘Ndaraswa kubva pamberi penyu, asi ndichatarirazve ndakaringa kutemberi yenyu tsvene.’
5Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa; pakadzikadzika pakandikomberedza; sora regungwa rakamonera musoro wangu.
6Kumidzi yamakomo ndakanyura; nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi. Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba, imi Jehovha Mwari wangu.
7“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene.
8“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.
9Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Jona
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0